Psalms 112

1Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,
anofarira mirayiro yake zvikuru.

2Vana vake vachava nesimba panyika;
zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.
3Pfuma nezvakawanda zviri mumba make,
uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza,
iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.
5Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji
uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
6Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi;
munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.
7Haangatyi mashoko akaipa;
mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
8Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu;
pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.
9Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo,
kururama kwake kunogara nokusingaperi;
runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10Akaipa achazviona uye acharwadziwa,
acharumanya meno ake uye achaonda;
kushuva kwowakaipa kuchava pasina.
Copyright information for SnaBDSC